HomeResourcesSabbath School quarterly
Tevera Gwaiana
24/06/2026
Wakambobvunzwa here chaunonyatsotarisira muvupenyu husingaperi? Kana ukabvunza mwana, anogona kuti, “Kutasva mhada,” “Kutserendeka pamutsipa wetwiza,” kana kuti “Kubhururuka kuinda kune imwe nyika isiri ino yedu.” Kana ukabvunza avakubva zera, anogona kuti, “Kusaita zvechikoro nezvatinenge tapiwa nemudzidzisi kuitira kumba” kana kuti “Kufamba-famba mudenga rose tisingatyi chingatikuvadza.” Kana ukazobvunza boka revanhu vechikuru, vanogona kuti, “Kuva munzvimbo isisina kurwadziwa, kutambudzika kana rufu” kana kuti “Kusangana nevadikani.” Mhinduro dzose idzi dzakanaka uye ndedzechokwadi, asi kune zvakawanda kwazvo zvekutarisira mudenga idzva nenyika itsva. Kugara nekusingaperi kunopisa mumwoyo yedu, uye tinonyatsoziva kuti kune zvimwe zvakawandisa chaizvo muvupenyu uhu kupfuvura zviripo nhasi pano.
Hongu chikomborero chikuru kudenga chachava kutarisa Jesu nekumutenda, tichimuona, nekuda kwezvaakatiitira panyika yakaputsika. Tichada kudira kutenda kwedu nekumunamata nekuti wakatiponesa, nekuchibairo chake pamuchinjikwa, kubva kurufu rusingaperi.
“ ‘Yakafanira Nyenye/ Gwaiana rakabaiwa kuti agashire simba nevushe nevuchenjeri nevukuru nerukudzo nembiri nemaropafadzo!’ ” (Zvakazarurwa 5:12).
Johani Mubhapatidzi akazivisa Jesu se “Gwaiana raMwari” (Johani 1:35–37). Vadzidzi vakamutevera vari pedyo-pedyo uye Zvakazarurwa 14:4 inoti nesuwo tichazviita vo. “Ava ndivo vanotevera Gwaiana kose-kose kwarinoenda” (Zvakazarurwa 14:4). Asi kana tichida kumutevera mudenga, tinofanira kutanga kumutevera pano panyika.
Jesu, Gwaiana, Mufudzi zve, ndiye anotungamirira nzira dzedu zvisingaitwi nemumwe. Izvi zvinotisimbisa chaizvo apo tinotambudzika munguva dzakawoma dzatinosangana nadzo, asi Jesu haazomiri kutitungamirira, kusvika kana mudenga. Zvakazarurwa 7:17 inoti, “ ‘Nekuti Gwaiana riripakati pechigaro richavafudza nekuvatungamirira kuzvitubu zvemvura’ ”. Sevanhu vake, makwai ake, tichatevera Jesu mudenga, nekuda kuva pamberi pake nguva dzose. Chimwe chimiro chinotsanangura vanhu vaMwari ndeche “Zita rake richava pahuma dzavo” (Zvakazarurwa 22:4). Kureva kuti tichagara tichimufunga nguva dzose.