HomeResourcesSabbath School quarterly

Nzvimbo

27/04/2026

Kana nepo iri vhesi imwe, tinogona kudzidza zvakawanda pane zvakaitwa naJesu. Nguva yekareba zuva risati rabuda, akabva mumhirizhonga nemubishi remabasa emuguta, akaenda kwake woga kwakanyarara kuti anova nenguva naBaba vake. Fungidzira panzvimbo iyi—Jesu akagara paGungwa reGarire kana muzasi mechikomo, achinamata nekutaura naBaba vake vanhu vasati vamuka? Kana nepo vhesi iyi ichitsanangura kuzvipira kwaJesu mumunamato, tinovona kuti chaiva chinhu chakamukoshera. Hazvina mubvunzo kuti ndipo paibva simba rake rekugona kukurira. Kana Jesu aida kuita izvi kutanga zuva rake, isu tingazvida zvakadini?

Mwari anotivudza kuti, “ ‘Tsvakai chiso changu,’ ” mwoyo wangu wakati kwamuri “ ‘Chiso chenyu, Jehova ndichachitsvaka’ ” (Mapisarema 27:8).

Unenzvimbo yaunoinda kwairi mangwanani mamwe nemamwe kunova naMwari here? Zvimwe ungaisa chigaro pawindo, wotsvaka nzvimbo yakanyarara panze, kana muimba yekubikira, maunopinda zuva rimwe nerimwe kugara patsoka dzaJesu uchidzidza Shoko raMwari. Kugara patsoka dzaJesu ndiyo nzvimbo yakanakisisa kuva (Ruka 10:39–42). Nekuita tsika yekuinda panzvimbo yakanyarara unaMwari, inova nzvimbo yauchajaira kudzokera kwaari zuva rimwe nerimwe. Edza kurega mazuva akawanda achipfuura usina kuwana nguva naMwari. Rangarira kuti kuva nenguva naMwari zuva rimwe nerimwe isarudzo, zvaunogona kuita zve, nhasi, kana ukasarudza kuzviita.