HomeResourcesSabbath School quarterly

Munamato Unoshanda

09/05/2026

Verenga Kugadzirira Chidzidzo Chevhiki Ino

1 Madzimambo 19:1–18; Mateo 6:5–8; Ruka 11:2–4. Mateo 6:5–15; Danieri 9:4–19; VaRoma 8:26, 27.

Chemusoro:

“Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye vutiziro hwedu” (Mapisarema 62:8).

Ko minamato yako yakadini? Unonamata nguva dzakawanda zvakadini? Unonamata kakawanda zvakadini? Unonamata mazuva ose kana munguva dzematambudziko chete here? Minamato yako ndeyekukumbira chete here, kana kuti unomborumbidzawo Mwari muminamato yako?

Unombowana wo nguva yekunamata mangwanani uchimuka nekunamata wavakudya kana kuti mavakuparadzana pazuva? Kana kuti uri muboka remunamato rinotonamata nguva dzose. Wati wambozivawo here simba rehuwepo hwaMwari kuburikidza neshanduko dzinobuda muminamato yako?

Munamato kugara takabatanidzwa (sematavi) kuna Jesu (muzambiringa). “Kana tingada kuita zvakanaka tichikura, tinofanira kugara tichinwa zvekudya zvinobuda mumidzi yeMuzambiringa Mupenyu; nekuti kana tikabva paMuzambiringa hatina simba.”—Ellen G. White. Ndicho chikomborero chekugara mumunamato. Mwari anotinzwa, uye anopindura minamato nguva dzose nenguva yake yakafanira—kana nepo nguva zhinji musiri munzira dzatinotarisira.

Chidzidzo chevhiki ino ngatidzidzei nezvevamwe vakanamata muBhaibheri tichitarisa nzira chaidzo dzinoraramika dzekusimbisa munamato mazuva edu ose.

*Dzidza chidzidzo chevhiki ino kugadzirira Sabata, May 16.