HomeResourcesSabbath School quarterly

Chimiro Chemumunamato

04/05/2026

Kana zvashata muvupenyu hwedu, vakawanda vedu tinovudza shamwari dzedu. Kana tine nhau dzakanaka, tinotsvaka mumwe wekuvudza. Tinogona kuita zvimwechete izvi naMwari. “Munamato kuzarurira mwoyo kuna Mwari sekushamwari.”—Ellen G. White, Matsiko Kuna Kristu, p. 93.

Munamato unotibatanidza naMwari nekutaurira Satani kuti tisu vanaani. Kana tichifugama mumunato mangwanani, chiratidzo chekunze chakasimba kumasimba erima kuti tinosarudza Mwari nhasi. Hazvisi izvozvo zvoga, asi Mwari anotumira vatumwa kurutivi rwedu kana tichinamata, vachibva vatisosera nekutidzivirira kubva kumuvengi anoda rima (Mapisarema 91).

Kufugama kuratidzo kuzviisa pasi nekuzvininipisa. Zvakatosiyana nekugara pacheya kana kuvata pamubhedha uchinamata, kana nepo tichigona kunamata hedu muzvimiro izvozvo vo. Asi, kana tichifugama pamberi paMwari, mwoyo yedu inova yakagadzirira kuzvipira, semiviri yedu nekutaura kwemashoko edu kuti Ndiye mukuru uye kuti isu tinongova vana, zvisikwa Zvake.

Kunamata munhu akamira chaiva chimiro chakajairika munguva dzekunyorwa kweBhaibheri (2 Makoronike 20:5, 6, 13; 1 Samueri 1:26; Jobho 30:20; Ruka 18:11). Bhaibheri rinotivudzazve nezvevanhu vakanamata vakagara pasi (2 Samueri 7:18, 2 Madzimambo 4:38). Vamwe vakazvambarara pamberi paMwari, huso hwakatsikitsira pasi—kana nepo chimiro ichi chisingasimbiswi sechimiro chepamunamato, asi mukuremekedza vakuru (1 Madzimambo 1:47, Marko 14:35).

Iwe unowanza kunamata wakaita sei? Bhaibheri harititarisiri kunamata nechimiro chimwechete, asi chimiro chakakosha, sezvachingaratidza ruremekedzo rwedu, zviri kuitika mukati medu, nechidiso chedu chekuzviisa pasi paMwari. Vamwe vanhu havakwanisi kufugama, saka, kunamata pakupedzisira inyaya yemwoyo. Kana uchikwanisa kufugama asi nguva zhinji usingafugami, wadii kuedza kufugama munguva inotevera kana wavakunamata uvone kuti zvinobatsira sei zvaunonzwa munguva yako naMwari?

Chimiro Chemumunamato — Sabbath School