HomeResourcesSabbath School quarterly
Raira, Tendevuka, Nemubairo
30/03/2026
“ ‘Vose vandinoda, ndinovaraira nekuvaranga,’ ” Jesu anotivudza muna Zvakazarurwa 3:19. “ ‘Naizvozvo shingaira’”. Hakuna kana pakati pedu, kana kanguva kaduku-duku, anogona kureva chokwadi achiti Jesu haana hanya nesu kana remangwana redu. Zvaiva nyore sei kuna Jesu kungosiya vanhu vachiparara pane kufamba nenzira yairema zvakadaro yaakasarudza panyika. Zvose izvi zvakaitwa nekuda kwekutida kwake kwakadzama zviri izvo chikonzero nei arikutidzora nhasi uno. Anoda vukama hwakasimba hwakadzama zvikuru nesu. Haagutsikani nekumira nekudonha kwedu misi yese, kana kuva nepfungwa yekuti, “ndichavuya kwaari kana ndavakuda, zvandinetsa”.
Asi Jesu anotiraira kuti zvitinakire. Anotivudza kuti titendevuke. Asi hatigoni kutendevuka tisina kuziva zvatakanganisa. Asi akativudza chaizvo zvisina kunaka matiri: tinofunga kuti takafuma, asi isu tichitova “ ‘nevurombo nenhamo, tiri mapofu tisina chekufuka’ ” (Zvakazarurwa 3:17).
Uyu mufananidzo wakanakisisa chaizvo usina kujairika. Mwari wedenga nepasi kugara pasi achidya newe neni. Anotsvaka kufambidzana nekutaurirana tichidya kudya kwakanaka. Iyi itsanangudzo yevukama hwepedyo-pedyo, hunogara, uho Jesu anotikokera kuti tive naho naye.
Jesu anomira nemwoyo murefu achigogodza pamusuwo wemwoyo wako. Zvimwe wakambovona mifananidzo yazvo izvi mumabhuku evana—murume murefu, akapfava, Muponesi, achigogodza zvinyoro-nyoro. Haangovhuri mukova nekutopinda asina kubvumirwa. Haazvimanikiri munguva yako kana muvupenyu hwako hune zvakawanda zvekuita. Nguva ipfupi, saka, kana wamunzwa, zarura musuwo. Akamirira kupinda muvupenyu hwako.
Mufananidzo uyu unoratidza mhando yevukama uho Jesu anoda kuva naho nemumwe nemumwe wedu. Asi rimwe zuva, uchasangana naJesu huso-nehuso, pauchakandira korona yako patsoka nekumutenda nekumurumbidza nezviuru nezviuru pamusoro pezviuru zvevamwe mukushumira Musiki (Zvakazarurwa 4:9–11, Zvakazarurwa 5:11–14), pauchaedza kufunga matambudziko epanyika usingaavoni zvakanaka-naka uye ava kuratidza sepasina chakamboitika—unofunga kuti apa ungazvidemba here nekuda kwenguva yawakapedza naJesu panyika?