HomeResourcesSabbath School quarterly
Garai
01/04/2026
Vadzidzi vakatevera Jesu achipinda nepamanera akamanikana kubva muimba yepamusoro vachienda mumugwagwa zasi. Vachifamba vose kuenda Getsemane, muhusiku hwaisiririsa nekurwadza zvikuru munhoroondo yose yenyika, havana kuziva kukosha kwemashoko aJesu ekupedzisira kwavari Muimba Yepamusoro.
Mashoko aya, akataurwa naJesu Pachake, anotsanangura zvakaita kusimba kwevukama naMwari. Tarisisa izwi rinodzokororwa, kasiri kaviri chete, asi ka 10: garai. Kugara muna Jesu kurarama wakabatana naye.
Paanoinda kuMuchinjikwa, Jesu haangosimbisi kukosha kwekugara maari chete, asi anoisa pachena zvazvinoreva muvupenyu hwedu.
Zvinoreva kuti: Jesu muzambiringa, isu tiri matavi ake. Saka mukugara maari (takabatira paari) muchero uchakura pamatavi. Hatigoni kukurisa muchero toga. Dzimwe nguva zvinoita sezvinoita nekuti takambogara maari, asi zvichavonekwa nekushaya muchero, pakupedzisira matavi edu achawoma. Kana tawoma, Murimi weMuzambiringa achacheka matavi aya nekuabvisa. Kana tichibereka kana tisingabereki, matavi edu achachekererwa.
Hongu, tose tinombosangana nenguva dzakawoma dzinorwadza. Kana tikagara maari, nguva idzi dzichava dzekubereka muchero unogara. Kubereka muchero kunoratidza kuti tiri vateveri vakaita sei. Tinobereka muchero kumupa mbiri iye, isiri yedu mbiri iyi. Kugara muna Jesu zvinoreva kuchengeta mirairo yake, inoratidza chimiro chake chakanakisisa cherudo rusina chindini. Kugara muna Jesu kunowunza mufaro. Kugara munaJesu kunoreva kuita zvaanotivudza, sekudaira kwaari. “Nekuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichingete mirario yake; mirairo yake hairemi” (1 Johani 5:3).
Kana uchizvifunga, kugara muna Jesu ndeumwe mushonga wedambudziko reRaudosia (Zvakazarurwa 3:20, Johani 15:4). Kuvanzika kukuru kunoratidza vupenyu hwakazara panyika ino zvinosvika kukusingaperi, asi nguva zhinji tinokanganwa zano iri raJesu.
Pakupedzisira, Jesu anoti kwatiri tose, “ ‘Baba sezvavakandida, neni ndakakudai; garai murudo rwangu’ ” (Johani 15:9). Rudo rwaJesu chisungo chakasimbisisa kwazvo chinotikwevera kwaari, uye kana tichiziva rudo urwu, tichamutswa kwazvo kuti tirugashire nerudo kuna Mwari nekunevamwe.