HomeResourcesSabbath School quarterly

Kumanikidzwa Asi Nesimba

15/06/2026

Wakambozvifungawo here kuti Jesu aikwanisa sei kuramba achishanda, kuporesa, kunyaradza, kuparidza nekudzidzisa vanhu vakawanda kudaro zuva nezuva? Tinovudzwa kuti “Asi wakati achivona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nekuti vakanga vaneta, varashwa, semakwai asina mufudzi” (Mateo 9:36). Rwaiva rudo rwaJesu netsitsi dzake kuvanhu zvaimusunda kushanda. Saizvozvo vo, rudo rwaMwari matiri runofanira kutimanikidza kunzwa tiine mutoro wekutungamirira mweya kwaari nekuzvokwadi yake (2 VaKorinde 5:14).

Wakambotarisa wo here kumeso kwevanhu vausingazivi muruzhinji ukafunga nezvevupenyu husingaperi, uchiti vanoziva Jesu here? Wakambonzwa here zvinganzi rudo rwaMwari chete mauri nekuda kwezvidiso zvevanhu vausingazivi? Rudo rwaMwari matiri runotimanikidza kuva nemutoro wekuvatungamirira kwaari. Jeremia akazvisimbisa paakati, “ ‘Shoko rake rakaita semoto unopfuta mumwoyo mangu, wakapfigirwa mumafupa angu; ndaneta nekutsungirira handichagoni kuramba ndakanyarara’ ” (Jeremia 20:9).

Asi kana tavakuparidzira vamwe, hatifaniri kuvamanikidza kugashira Mwari kana zvokwadi yeBhaibheri. Kumanikidza kunorwisana nechimiro chaMwari chaicho. Mwari haana kumanikdza Adamu naEva kugara kure nemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa (Genesi 2:16, 17). Haana kumanikidza vanhu kupinda muareka kuti avaponese kubva kuMurowe (Genesi 7:1). Haana kumanikidza vaIsraeri kuramba vari musungano naye (Deuteronomio 4:29–31). Asi, akavapa zvavaishaiwa (Mateo 4:23–25) ndokuzovakoka kuti vamutevere. Jesu haana kana kumanikidza munhu kumutevera kana kutenda idi rake, asi haapererwi nekuda kwekumuramba kwedu anoshingira patiri (Mateo 23:37).

Patinenge tichipupura, masvikiro edu nguva dzose anofanira kuratidza nzira dzaKristu. Ellen G. White anoti, “Harisi basa raKristu kumanikidza vanhu kumugashira. NdiSatani, nevanhu vanosundwa nemweya wake vanotsvaka kumanikidza hana dzevamwe. . . . Hapana chimwezve chingaratidza kuti tine mweya waSatani kunze kwekuti tirwadzise kana kuparadza vasingadi zvatinovaitira kana vanopikisana nepfungwa dzedu.”-Ellen G. White.

Tinofanira kubvuma toga kushandiswa naMwari. Tinorarama munyika inovenga zvokwadi, asi izvi hazvitombofaniri kutidzivisa kuparidzira vamwe nemwoyo wose, nerudo. Rangarira kuti huchapupu hwedu chaiho huchateererwa zvakanyanya, zvikuru sei patinotangira kupupura (Zvakazarurwa 12:11).