HomeResourcesSabbath School quarterly
Kudzidza Kuenda Mberi
19/06/2026
“Hazvinei kuti munhu anotendei, hakuna munhu angava nerudo rwaMwari rwakaperera kunze kwekuti aratidza kuzviramba nekuda kwehama yake. Asi hatigoni kuva nemweya wakadai nekuedza kuda vamwe. Chinodiwa kuda Kristu mumwoyo. Kana iwe wakabatanidzwa naKristu, rudo runotubuka rwega.”
“Avo varimubasa rekuwana mweya nekutendeka kuna Kristu, vanokura zvirinani pamweya nepakuwadzana napakuzvipira.”
“Simba rekukurira zvakaipa rinowanikwa zvakanyanya nekushanda nesimba.”
“Kuti upinde murufaro rwake—rufaro rwekuvona mweya yadzikinurwa nekuzvipira kwake—tinofanira kupindawo mubasa rake rekuvadzikinura.”
“Avo vanoramba mukana wekuwadzana naKristu mubasa rake, vanoramba kudzidziswa kunovakwanisa kuva naye mukubwinya kwake.”—Ellen G. White.
Mibvunzo Yekutaurirana:
Pfupiso: Kana rudo rwaMwari nekurarama kwake, Shoko rake rakasimba zvikava munguva yedu zhinji pazuva, tichamanikidzwa kuparidzira vakatipoteredza rudo rwake. Tinofanira kugara mumunamato, nekufungisisa, nekuronga kuita basa rekupupura, nekudaira Shoko rake, rinobuda mumuromo wake, risingadzoki risina kuita basa raakarituma kunoita, uye richakurira muzvinhu zvose zvaakaritumira (Isaya 55:11).