HomeResourcesSabbath School quarterly

Mazano Ekuparidza Jesu

16/06/2026

Mubvunzo kwatiri tose ndewekuti: Unoparidzira ani nezvaJesu—anotengesa pataki shopu iripedyo nepamba penyu here, mutengesi wepachitoro here, kana mai vepamusika wemurivo kana mumwe munhu waunovona mazuva ose kana uchifamba? Mwari anokoka mutendi wose kubatsira mubasa iri, uye anovimbisa kukupa “ ‘rurimi rwevakadzidza, kuti uzive zvakutaura panguva yakafanira kune vakaneta’ ” (Isaya 50:4). Ibasawo reMakristu kugara takagadzirira kupindura vose vanotibvunza nezvatinotenda netariro iri matiri (1 Petro 3:15).

Haano mazano akareruka aungachengeta mupfungwa paunofunga kuinda kunoparidza nezvaJesu kune vamwe:

  • Ziva mumwe munhu uite vukama naye kwenguva yakareba. Hushamwari hwako naye, mutsa wako, kumufarira kune kurevesa (uchidikavo iwe) zvichabatsirana kumukwevera kuna Mwari. (Vamwe vanodaidza nzira iyi kuti kuparidza kuburikidza nehushamwari.”)
  • Namatira kuti Mweya Mutsvene ashande mumwoyo wevanhu ava. Namatira mukana wakanakisisa wekutaura navo.
  • Tarisira mukana wekutaura nezvaunotenda iwe wobva wavanamatira. Kumbira Mwari kuti ushinge nemweya wakapfava mukuvasvikira.
  • Tsvaka nzira dzekubatidza shamwari dzako itsva idzi nevamwe kukereke yenyu, kuti vanzwe vachidikanwa nevekereke yako. Kutanga kaboka kaduku kekudzidza Bhaibheri idanho rinotevera rakanaka.
  • Namatirai zvinhu chaizvo zvinodikanwa neshamwari dzako idzi itsva uchitsvaka nzira idzo Bhaibheri rinogona kunyaradza, kupa mazano, nekutungamirira muvupenyu hwedu. Unogona kutaura chitsidzo chimwechete zvacho chemuBhaibheri kana kupindura mubvunzo mumwechete chaiwo, ungavhura mukana wekutaurirana zvakadzama. Namatiravo izvi zve.
  • Pachasvika nguva yaungada kuti shamwari itore danho rinotevera (kudzidza Bhaibheri, zvingasvitsa kurubhapatidzo). Usamhanya mukuita matanho aya, asi usanonoka vo. Zvinamatire izvi.
  • Zvatinoita zvinofanira kuratidza kuti tiri vana ani. Mabatiro atinoita vamwe achataura zvakawandisa. Apo zvimiro zvedu zvinenge zvichigadziriswa kufanana nezvake (kucheneswa), tichararamira kukwevera vanhu vose kwaari.