HomeResourcesSabbath School quarterly

Kana Minamato Ichiita Seisingapindurwi

11/05/2026

Dzimwe nguva pane chawanamatira kwenguva yakareba, zvimwe makore chaiwo, zvichiita sekuti Mwari haana kunzwa minamato yako. Bhaibheri rinotivudza kuti “kumbira, uchapiwa” (Mateo 7:7), “kana tikakumbira chipi nechipi chinowirirana nekuda kwake” (1 Johani 5:14). Unozvinzwisisa sei zvitsidzo izvi?

Hanna muenzaniso wemudzimai akanamatira chaaida chaicho (1 Samueri 1:10–17). Pakutanga zvakaita sekuti Mwari haana kupindura minamato yake, asi akaramba achinyengetera, munguva yake yakakwana zvichiinda nezvidiso zvake. Dzimwe nguva kumirira kwedu kunotibatsira kusimbisa vukama hwedu naMwari, patinodzidza kuvimba naye zvakanyanya.

Mapisarema 62:8 inoti, “Vimba naJehova nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu pamberi pake; Mwari vutiziro hwedu”. Vimba. Tinovimba here kuti anonyatsoziva zvose uye zvakanaka, kunyange tisingavoni mhinduro yeminamato yenyu ipapo-ipapo? Tinodavira here kuti pamberi apo achazongopindura munguva dzake dzakafanira?

Dzimwe nguva minamto yedu haaipindurwi nekukasika sezvatingada kana nenzira dzatinoda. Ko Bhaibheri rinotirairei kana zvadaro?

  • Tsvaka kuda kwaMwari, usatsvaka kwako (Mateo 6:10; 1 Johani 5:14, 15).
  • Funga zvinokusunda (Zvirevo 16:2, Jakobo 4:3).
  • Fungisisa kuti unechitema chaunochengeta here (Mapisarema 66:18, 1 Petro 3:12, Zvirevo 15:29).
  • Gara muna Mwari nemushoko rake (Johani 15:7).
  • Tenda paunonamata kuti zvinoita (VaHebheru 11:6, Jakobo 1:6, Marko 11:24, Mateo 21:22).
  • Fungisisa chimiro chemwoyo wako (kuzvininipisa kana kuzvida) (Jakobo 4:6, 1 Petro 5:6).
  • Shingirira (1 VaTesaronika 5:17, 18).
  • Regerera vo vamwe (Marko 11:25, 26).
  • Pakupedzisira, Mwari anovona zvirikure nekuziva zvakatinakira (VaRoma 8:28, VaEfeso 3:20, Jeremia 29:11–13). Dzimwe nguva mhinduro dzake dzinogona kuva sezvadzaiva kuna Pauro: “Nyasha dzangu dzakakuringana” (2 VaKorinde 12:9).

Kunzwisisa kwedu Mwari ndiko kunokosha paminamato yedu inoita seisiri kupindurwa. Kana tichivona Mwari seari kure asina hanya nesu, vukama hwedu naye hunoshaya simba. Munguva dzakadai, nzvera Bhaibheri uvone rudo rwake nehanya kwauri, ugonamata kuti mavonero ako aMwari agadziriswe.