HomeResourcesSabbath School quarterly

Mimwe Mibvunzo Munyaya Dzemunamato

14/05/2026

Ko tinonamatirei kana Mwari achitoziva zvatinoda kare? Saka tinonamatirei kana Mwari achiziva zvose? Ellen G. White anotsanangura achiti: “Kusiri kuti zvakafanira kuti Mwari azive zvatiri, asi kutibatsira kumugashira. Munamato hauburutsiri Mwari pasi, asi unotisimudzira kudenga kwaari.”—Matsiko Kuna Kristu, p. 93. Hongu, Mwari anoziva zvidiso zvedu nezvatinoshaiwa, uye anoverenga mwoyo yedu. Asi, kunamata kwakatinakira isu. Unotikokera kumira pakati pemabasa edu akawanda, kuti tifungisise nekuziva kuti Mwari ndiye mutongi wezvinhu zvose, nekuzviisa patsoka dzake. Mikana inogona kuzarurwa kuti Mwari ashande kana tikamukoka. Mweya Mutsvene anotimiririra kana tisingazivi zvekunamatira sezvatinofanira kuita (VaRoma 8:26, 27).

Tinonamatirei kana zvinhu zvakamira zvakanaka? Kunzwa munhu asina chaanoshaya nekuzvikudza (tarisa Chidzidzo 3) zvinogona kukanganisa minamato yakasimba. Kana tikaziva chete kuti tinoda Mwari zvakadini, taingavuya kwaari kakawanda! Kana vatumwa vakaperera vachimuda nekumunamata, ko isu sevatadzi, nei tingafunga kuti hatimudi? Ko Mateo 5:6 na Isaya 44:3 anoti kudini nezveidi iri?

Ko kutenda kunoita basa rei mumunamato? Verenga VaHebheru 11:6, nekufunga mashoko aya zvakanyanya: “Munamato nekutenda zvakabatana chaizvo, uye zvinofanira kudzidzwa zvakasimba pamwechete. Mumunamato wekutenda mune saizni dzedenga; isainzi idzo munhu wose anoda kubudirira muvupenyu hwake anzwisise. Kristu anoti, ‘Zvinhu zvose zvamunoda, kana muchinamata, tendai kuti mazvigashira, kuti mugozvigashira.’ Marko 11:24. Anoisa pachena kuti kukumbira kwedu kunofanira kuwirirana nekuda kwaMwari; tinofanira kukumbira zvinhu izvo zvaakavimbisa, nazvose zvatinogashira zvinofanira kushandisirwa kuita kuda kwake. Zvinodiwa kana zvikaitwa, chitsidzo hachitadzi kuvuya zvisina mubvunzo. . . . Hatifaniri kutsvaka kuvona zvirikunze kuti maropafadzo apiwa.”—Ellen G. White.

Ndinofanira kunamata nani? Nguva dzakawanda tinofanira kunamata tiri toga (iwe naMwari), nekuti munamato nekuverenga Bhaibheri ndizvo zvinopa vupenyu hwevukama naMwari. Tora nguva dzekuzvinzvera mwoyo painotaura nekuteerera kuna Mwari (Mateo 6:6). Tinofanira kunamatavo nemhuri dzedu kana nemapoka maduku (Mateo 18:20). Pakupedzisira tinofanira kunamata nenharaunda iri pedyo nekereke yedu (Jakobo 5:13–16). Mhando dzose dzeminamato dzakakosha.

Ko ndinofanira kuteerera sei? Munamato zvinopfuvura kungotaura naMwari; tinofanira kumubvumira “kutichekerera” nekutaura muvupenyu hwedu. Nzira yakanakisisa yekuzviita izvi kuverenga Bhaibheri nekuzvibatanidza nemunamato nekudzidza Bhaibheri munguva yako uri woga. Chenjerera kutaura zviri mupfungwa dzako chete kana kuteerera zvaunoda kunzwa uchisiya kunzwa kubva muBhaibheri.