HomeResourcesSabbath School quarterly
Kuva Nekutenda
16/05/2026
Verenga Kugadzirira Chidzidzo Chevhiki Ino
Marko 8:11, 12; Mateo 15:21–28; Ruka 7:1–10; VaEfeso 2:8; VaHebheru 11; Zvakazarurwa 14:12.
Chemusoro:
“Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotaria, nechiratidzo chezvinhu zvatisingavoni” (VaHebheru 11:1).
Mumwe munhu akamboti, “Kutenda kwakafanana nemasai-sai emumhepo. Haavonekwi, asi anesimba rekukubatanidza nezvaunoda zvingafanana neredhio kana zvimwe zvikutaurirana nevamwe nazvo.” Saka hazvina mubvunzo: kuti pasina kutenda, hapana vo vukama naMwari.
Ko kutenda kwako nhasi kwakamira sei? Kutenda kwako muna Mwari kwakambozununguswa here? Zvimwe wakambosangana nezvakakunetsa chaizvo kusvika pakusaziva chekuita nevukama hwako naMwari. Kana kuti kutenda kwako kwakaita seruva rinokura kubva mudzinde rakasvibirira kuita kabundu kanozaruka nekufamba kwenguva kuita ruva rakashinga rinemavara rinozadza imba yose nekunhuwirira kwaro? Nekuti zvechokwadi, “kutenda kunoratidza izvo chaizvo zvatinotarisira; chiratidzo chezvinhu zvatisingavoni” (VaHebheru 11:1). Hachisi chinhu chatingagadzira toga, nekuti “Mumwe nemumwe nechiyero chekutenda sezvatakagoverwa naMwari (VaEfeso 2:8, 9), kana nazvino, kutenda kwedu munaMwari kunokwanisika nekuda kwazviri kuitwa naMwari matiri achizviitira isu.
Vhiki ino ngatitarisisei nyaya yekutenda: nekuti tingaitei nekusatenda nekunyunyuta; uye kuti chinonzi kutenda kwakasimba kana takatarisa pana Jesu; uye zvazvinoreva “kuva nekutenda kwaJesu.”
*Dzidza chidzidzo chevhiki ino kugadzirira Sabata, May 23.