HomeResourcesSabbath School quarterly
Jesu Anovona Kutenda Kwedu
18/05/2026
Nekuti tinotevera Jesu chete hazvirevi kuti kutenda kwedu kwakatozvisimbira zvako. Chokwadi ndechekuti, kune vaiti vanotenda, asi Jesu wakavona chaizvo zvaiva mumwoyo yavo (Johani 2:23–25).
Muna Marko 9, tinodzidza nezvemurume akavuya kuna Jesu kuti adzinge dimoni raiva mumwanakomana wake, asi akanga ane kutenda kwakakwana chete kwekuti ati, “ ‘Ndinotenda Tenzi; asi batsirai pakusatenda kwangu!’ ” (Marko 9:24).
Mune zvose izvi Jesu aivona kutenda kwevanhu, kana kusatenda kwavo, akaita zvishamiso zvaiwirirana nekutenda kwavo kana kubatsira kukusimbisa.
Munzira imwechete iyi, Mweya Mutsvene anotimutsira kutenda, muvengi wemweya yedu anoda kutitisatenda kana kudzivisa kushanda kwaMwari muvupenyu hwedu. “Kusatenda kunoregwa kuri mumwoyo kune simba rekuroya. Mbeu yekunyunyuta yavaramba vachidyarwa ichabereka goho rayo asi vanofanira kuramba vachitimba midzi yekusatenda. Kana miti iyi inemuchetura yadzurwa, inomira kukura nekushaya zvekudya mumashoko nemumabasa. Mweya unofanira kuva nemuchero wekutenda nerudo runoiswa muivhu remwoyo nekugadzwamo.”—Ellen G. White.
Kana tichishaya kutenda munaMwari, chimiro chake, Shoko rake, nezvatinoita nazvo? Mwari haashai hanya kana kusiana nekufunga kwevanhu, nekuti wakatisika mumufananidzo wake uye anotikoka kuti titaurirane naye sezvaakaita naAbrahama, Mosesi, naJobo. Mwari anotikokera kushanda nezano rake guru, mawonero anosvika nekusingaperi, kana nepo dzimwe nguva tichifanira kusiya kwaari zvimwe zvatisinganzwisisi zvakazara.