HomeResourcesSabbath School quarterly

Miyenzaniso Yekutenda

20/05/2026

Tora nguva nhasi uchiverenga VaHebheru 11, chitsauko chikuru chekutenda. Verenga zvinonzwikwa, usingamiri. Chichiverengazve kechipiri, ugonyora pfungwa dzako mukupindura mibvunzo inotevera:

  • Verengazve vhesi 1. Chii chaurikutarisira nhasi chausati wavona? (Funga nezvezvinhu zvaunoda izvozvi nezviroto zvekusingaperi.)
  • Kutenda kunoita basa rei muhuchapupu hwako iwe nekutendevuka kwako?
  • Verenga vhesi 3 zvekare, nezvaMwari neKusika. Nemhaka yei kuvako kwaMwari seMusiki chiri chinhu chirinyore kudaira?
  • Verenga vhesi 6 ugonyora zviri muvhesi iri mumazwi ako.
  • Mavhesi 7–40 anozivisa nezvevanhu vakawanda vemuBhaibheri. Nemhaka yei kutenda kuri chinhu chakakosha mukutsanangura simba revukama hwevanhu ava naMwari?

Kuziva Mwari nekuva nevukama hwakasimba naye zvinoda kutenda. Ungasimbisa sei kutenda kwako nekukurudzira mumwe munhu ava nekutenda kwavakudzikira? Heano mazano mashomanana:

Kutenda kuduku-duku sembeu yemastada kune simba uye ndiko chete kwaunoda mukukura pavukama naMwari (Mateo 17:20). Kana uchida kushanda naye chete, Mwari achakubatsira kuwedzera kutenda kwako.

Kutenda kunovuya nekunzwa Mwari achitaura kwatiri muShoko rake, Bhaibheri (VaRoma 10:17). Zvipire kukuverenga Bhaibheri nekunamata mazuva ose.

Kumbira Mwari kuwedzera kutenda kwako (Ruka 17:5). Sezvakaita baba vakavuya nemwanakomana wavo kuna Jesu aiva nemweya wakaipa vaka “daidzira vachichema vachiti nemisodzi, ‘Tenzi, Ndinotenda; wedzerai kutenda kwangu!’ ” (Marko 9:24), tinogona kubvuma kusatenda kwedu nekukumbira kuti Mwari akuwedzere.

Kutenda nekunyunyuta zvinogona kugara pamwechete (Marko 9:24). Usabva pana Mwari nekungoti unemibvunzo. Zvakatokosha kushandira ruponeso rwako nekutya nekudedera (VaFiripi 2:12–16) “nekuva” nekutenda kwako panekukukwereta kune mumwe, sezvakaitwa nevasikana vashanu muna (Mateo 25:8).

Daira kuMweya Mutsvene nekumukumbira zvakanyanya muvupeny hwako.

Ita zvinoratidza kutenda kwako. Rangarira kuti kutenda hakusi kunzwa, asi isarudzo yekutenda. Rangarira kuti kana mudima, usingavoni Mwari, anenge aripo (2 VaKorinde 5:7).

Semunamato wako wekutenda Mwari nekuda kwekutendeka kwake, fungisisa mashoko ari murwiyo “Kutendeka Kwenyu Kukuru.”