HomeResourcesSabbath School quarterly
Nhare Dzangu Muvukama NaMwari
25/05/2026
Kune mashoko akawanda ari muBhaibheri anotaura nezvevukama hwedu naMwari nezvinotikanganisa kukura munaKristu. Fungisisa nezvamashoko aPauro naJesu:
“Naizvozvo unoti ndinomira ngaachenjere kuti arege kuwa” (1 VaKorinde 10:12). SaSamsoni, kuvimba nesimba rako kunokuwisira munhu pasi.
“ ‘Rega kuridza hwamanda pamberi pevanhu sezvinoita vanyengeri . . ., kuti vakudzwe nevanhu’ ” (Mateo 6:2). Mira kuvudza vanhu kuti wakanaka sei mukuita kwako! Zvininipise saJesu aiva akazvininipisa.
“ ‘Asi ini ndinoti kwamuri: Mumwe nemumwe anotarira mukadzi achimuchiva watoita vupombwe naye mumwoyo make. Kana ziso rako rerudyi richikugumbisa, uribvise urirashire kure newe, nekuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.’ ” (Mateo 5:28, 29). Ita zvose zvaunokwanisa kubvisa ruchiva mumwoyo wako, nekuti ichi chigumbuso muvukama hwako naMwari.
“ ‘Musatonga, kuti murege kutongwa; nekuti nekutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwa nacho’ ” (Mateo 7:1, 2). Mira kutonga nekutsoropodza vamwe. Mwari ndiye mutongi, saka rega zvakadaro (1 VaKorinde 4:5).
“ ‘Asi ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai’ ” (Mateo 5:44). Mirai kuvenga vavengi venyu. Kana wavakunzwa ruvengo rweavo vanokutambudza, zvinobva zvatoisa chigumbuso muvukama hwako naMwari. Asi, chitanga kunamatira vavengi vako ugovona shanduko musiri mukufamba kwako naMwari chete asi, muvukama hwako nevamwe.
“ ‘Asi ini ndinoti kwamuri: Unotsamwira hama yake uchapara mhosva ingatongwa; unoti kuhama yake: Raka, uchapara mhosva pamakurukota; asi unoti benzi, uchapara mhosva kuti atongerwe Gehena remoto’ ” (Mateo 5:22). Dzimwe nguva waiva nechikonzero chekupopotera avo varipedyo newe. Ko hasha dzako dzinokanganisa sei vukama hwako naMwari, tisingatauri vawakatsamwira? Izvi ndezvimwe zvimiro zvinotigumbura.
Kugura ruvoko rwako kana gumbo kana kutokodora ziso rako nekuda kwekukukonzera kutadza zvanyanyisa. Zvaifanira kudaro here? Asi ndiwo mavonero aJesu ekuipa kwechitema nezvachinoita muvupenyu hwedu. Ko iwe unochitoravo saizvozvo here?