HomeResourcesSabbath School quarterly
Kuziva Nekuita
28/05/2026
PaMharidzo yepaGomo, Jesu anotaura nezvevukama—naye uye nevamwe. Anotaura zvinobata chaizvo pakupedzisira kwemashoko ake:
“ ‘Havasi vose vanoti kwandiri, “Ishe, Ishe, vachapinda muvushe hwekudenga, asi avo chete vanoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga’ ” (Mateo 7:21).
Jesu anotsanangura kuti kune vamwe vachadana kwaari vanonyatsoziva nezvake vasingamuzivi. Hongu, kutsvaka ruzivo kwakakosha, kana Bhaibheri rinotivudza kuti vanhu vaMwari vanogona kuparadzwa nekushaya ruzivo rwaMwari uye nekuti vakaramba ruzivo rwavo rwezvake (Hosea 4:1, 6, 10). Hatifaniri kumbotarisira pasi kukosha kwezvokwadi zveBhaibheri zvinogara nekusingaperi. Asi kana ruzivo urwu rukasatishandura nekudzamisa kuzvipira kwedu nekufamba kwedu naMwari, hakubatsiri chinhu.
“ ‘Zvino vupenyu husingaperi ndiho, kuti vakuzivei imi Mwari moga wazvokwadi, naJesu Kristu wakamakutuma’ ” (Johani 17:3). Jesu anotaura kuti chinodiwa kutanga munhu asati apinda denga, chikuru chazvo kuziva Mwari—nekuti hatigoni kuita kuda kwake tisingamuzivi. Ichi ndicho chiratidzo netarisiro chaiyo. Kana mwana wako akati anokuda nguva zhinji achiita zvaunotaura, mabasa ake anoratidza kudzama kwerudo neruremekedzo rwake kwauri. Ndizvo zvazvakangoitavo, kana tichida Mwari, tichida kuita kuda kwake, nekuti tinoziva kuti hakuna chimwe chiri nani! Zvatinomuitira, pakupedzisira, kumuteerera kuchava kupfachukira kwerudo rwedu, zvichiratidza chimiro chevukama hwedu naye.
Kana tikanyatsonzwa shoko raJesu, hatigoni kuramba takangodaro asi kushanduka. Asi pakutanga kwazvose, nzeve dzedu dzinofanira kuzaruka nemwoyo yedu kugashira, kuitira kuti zvatakanyorerwa kurarama muvukama hwakasimba naMwari zvigone kusimbiswa pamweya wose nekufema kose kwatinotora. Vupenyu hwedu hunogona kuvakirwa paDombo nepazano raMwari rakaperera.
Zvinyorwa izvi zvevukama hwakasimba hazvina kuvanzika. Zvinoratidzwa mumapepa eShoko raMwari rakafemerwa, raanopa kumunhu wose. Isarudzo yemunhu nemunhu kuzvigashira nekutenda, nekukumbira chitsidzo chekururama kwaKristu, nekuzorarama kururama uku.