HomeResourcesSabbath School quarterly

Kudzidza Kuenda Mberi

29/05/2026

Hazvifaniri kutishamisa kuti musoro wenyaya wemutemo unogona kumonyororwa nekusanzwisiswa zvakadai, zvikuru sei sezvo chinangwa chikuru chaSatani chaiva chekurwisa mutemo waMwari.

Vamwe mumazuva aJesu vakafunga kuti wakavuya kuzobvisa mutemo, asi izvi zviri kure nezvokwadi. Jesu akaratidza chiedza chemutemo nechimiro chaMwari chakanaka chaakavuya kuzozadzisa (Mateo 5:17, 18) kutiratidza kuti Mwari wakadini.

“Sekuremekedza Shoko Dzvene raMwari mumwoyo yevanhu, nekutarisira kuzadzisa zvinangwa zvitsvene. Yaiva nyaya yemutemo waMwari yakapa vaIsraeri simba munguva dzekutonga kwaDavidi nemakore ekutanga kutonga kwaSoromoni. Munguva yaEria naJosia wakavapa kurarama nekutenda mushoko kwakaunza shanduko munguva idzi. Uye maiva muMagwaro mamwechete iwayo ezvokwadi, umo Israeri yakava nenhaka yakafuma kwazvo, iyo Jeremia akanyengeterera mumabasa ake erumutsiriro.”—Ellen G. White.

Mibvunzo yekutaurirana:

Pfupiso: Vupenyu hwedu hwakazara chitema, hunotiparadzanisa naMwari. Sezvinei, Mwari anotikokera kumuziva nekumuda nepfungwa dzedu dzose nemwoyo, nemweya nesimba redu rose. Kana tichizviita izvi, zvichangoitika zvoga kuti tinobva tatanga kudavo vamwe. Kuda Mwari kwakadai nekudavo vamwe kurimumutemo waMwari, uyo wakapiwa kuchengetedza vukama hwedu naye nevakatipoteredza. Mutemo waMwari unoratidza chimiro chake chakanaka, uye kana tavakuunzwisisa, vukama hwedu naye hunokura.