HomeResourcesSabbath School quarterly

Kutendevuka Nekuregererwa

30/05/2026

Verenga Kugadzirira Chidzidzo Chevhiki Ino

Isaya 61:10; Hosea 6; Mabasa 3:18, 19; Ekisodo 34:1–10; VaRoma 6:23; Mateo 22:1–14.

Chemusoro:

“Kana tichirevurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nekudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu, nekutinatsa pakusarurama kwose” (1 Johani 1:9).

Nyika Yechipikirwa yakaita seiri kure kuvaIsraeri, vakaisa matende avo pasi pegore mubani. Mosesi akangaakwira kuenda murima guru rakanga rakaputira musoro wegomo kwemazuva mazhinji. Zvechokwadi mutungamiriri wavo akanga afa zvino, vakazvifunga, kana asina kufa nenzara zvimwe nemoto unoparadza pamusoro paro. Ruzhinji rwaiva pakati pavo rwakatanga kunetsa nekupererwa nesimba rekumirira, vagadzirira kuinda kunyika inoyerera vuchi nemukaka. Kana nepo vanhu vamwechete ava, mumazuva mashoma akapfuvura, vakanga vaita mhiko inoyera naMwari yekuteerera, zvino apa vakanga vavakuda chifananidzo chavaivona. Saka, vakavunganira kutende raAaroni vakamumanikidza kuti avagadzirire chifananidzo. Achizvityira iye, Aaroni akabvuma. Muna Ekisodo 32–34, tinoverenga kuti zvinorwadza kuti nyaya iyi inosuwisa inoitika.

Nyaya iyi ndeimwe yenyaya dziri muMagwaro inotidzidzisa kutendevuka nekuregererwa, musoro wenyaya wechidzidzo chevhiki ino. Chengeta musoro wenyaya uyu nechemusoro mupfungwa paunodzidza zuva rimwe nerimwe. Hongu tinotadza, asi Muchinjikwa ngauvongwe nezano reruponeso, kuregererwa kuripo nguva dzose kune vanorevurura nevatadzi vasiya zvakaipa.

*Dzidza chidzidzo chevhiki ino kugadzirira Sabata, Chikumi 6.