HomeResourcesSabbath School quarterly

Nguvo Inodhura Chaizvo

04/06/2026

Zvipfeko zvakanaka zvinowanzo ratidza vafumi mukuvona kwenyika. Vamwe vanhu vanoti, “Mapfekero angu ndeekutaura zvandiri.” Asi kudenga, zvimwe zvose kunze kwevukama zvichapfuura (Mateo 6:19–21). Chimiro chedu chinofanira kuputirwa muna Jesu nenguvo yake yakaperera yekururama.

Jesu akati kumunhu aiva asina nguvo yemutambo “shamwari,” zvisinei nekushaya kwake mhinduro, vanogona kuva vakanga vane hukama. Murume uyu anogona kuva akanga achiziva nezvenguvo asi akasarudza kusaipfeka. Chimiro chaJesu chakaperera hachina chipomerwa, uye anochipa kwatiti “kuti tive munguvo chena yakanaka” (Zvakazarurwa 19:8), “kushaya ruvara, kana kuwunyana kana chinhu chipi nechipi” (VaEfeso 5:27).

Nguvo chena “kururama kwaKristu, chimiro chake chisina chachinopomerwa, uye kuti kuburikidza nekutenda chinopiwa kune vose vanomugashira saMuponesi wavo.”—Ellen G. White.

Adamu naEva vasati vatadza vakanga vakapfeka nguvo chena dzechiedza dzakapfava; vazotadza, vakazovona kuti havana kupfeka (Genesi 3:7). Mwari ndokutsinhanisa nguvo yemashizha emuvonde nekuvagadzirira nguvo yedehwe remhuka. Pakava nechibairo kugadzira nguvo iyi. Nenzira imwechete iyi, tinogashira chibairo chaJesu nekupfeka nguvo yake yekururama. “Vakashama nekunyara, vakaedza kudzorera nguvo dzekudenga nekusonanidza mashizha emuvonde . . . . Hakuna chingagadzirwa nemunhu chingatsinhana nenguvo yekusava nemhosva. Hakuna nguvo yeshizha remuvonde, hakuna zvipfeko zvepanyika, zvingapfekwa nevanogara naKristu nevatumwa pachirairo chekuwana cheGwaiana. Chifunhiro icho choga chinobva kuna Kristu Pachake chinogona kutiita tikwanise kumira pamberi paMwari. Nguvo iyi, yekururama kwake chete, Kristu achaiisa panevose vanotendevuka, vachitenda.”—Ellen G. White.