HomeResourcesSabbath School quarterly
Kudzidza Kuenda Mberi
05/06/2026
Bhaibheri rinowanza kushandisa mifananidzo yekurima kutsanangura chimiro chedu chepamweya. Hosea 10:12 ndeumwe wemienzaniso inobata zvatakurukura vhiki ino:
“Zvidyarirei mukururama;
Mugocheka zverudo;
Vundai makombo enyu;
Nekuti inguva yekutsvaka Jehova,
Kusvikira achivuya achikunisirai zvekururama”
Tinodyara, tokohwa, tovunda makombo evhu rakawoma, nekutsvaka Mwari kuti aswedere kwatiri. Ivhu remwoyo rinofanira kugadzirirwa kuitira mvura (Mweya Mutsvene) kunaya. Mwari anogona kutipa kuda kugadzirira ivhu, asi pakupedzisira vukama naMwari kushanda pamwechete (tarisa VaFiripi 2:12, 13). Tinofanira kutarisa kwaari, kuenda kwaari, nekubatirira paari. Ndipo paanozoisa zororo matiri.
Mumwe mufanandizo wekubatirira kuna Mwari unowanikwa mumavhesi aya unoreva: “Maziso enyu akavona zvakaitwa naJehova nekuda kwaBaalpeori: nevarume vose vakatevera Baalpeori, Jehova Mwari wenyu akavaparadza kubva pakati penyu. Asi imi makabatirira pana Jehova Mwari wenyu muri vapenyu nanhasi mumwe nemumwe wenyu” (Deuteronomio 4:3, 4).
Mibvunzo Yekutaurirana:
Pfupiso: Mukuziviswa zvivi zvedu nekudaira kumutswa naMweya Mutsvene nekuzvipa mukutendevuka zvinhu zvakakoshera kufamba zvakanaka kwevukama hwedu naMwari. Kuziva kuti takaregererwa chose nekufukidzwa nguvo yaKristu yekururama chiitiko chinoshandura kwazvo kuvanhu. Hatingonzwi kuturwa kwemitoro bedzi, asi tinonzwa rudo rwaMwari ruchitipoteredza patinoswedera kwaari. Izvi zvinotisunganidzira kuna Mwari, nekutisimbisa pamweya, nekutisandudzira kurudo rwake nesimba rose rinowanikwa matiri.