HomeResourcesSabbath School quarterly
Matambudziko Evupenyu
07/06/2026
Jesu akanga apedza zuva rose achitaura neruzhinji pamahombe-kombe eGarire. Mashoko aJesu anoita mawungira mupfungwa dzevanhu kwenguva yakareba kwazvo kusvika kusingaperi.
Madekwana anosvika, Jesu anotaura kuvadzidzi vake, achivadaidzira kumbofamba naye. “ ‘Ngatimboyambukirai mhiri’ ” (Marko 4:35). Jesu aiziva kuti dutu raiva richivuya asi akasarudza kuinda zvakangodaro. Akanga anechidzidzo chevupenyu chakakosha kwazvo chekupa kuvateveri vake vepedyo.
Unogona kuvaunoziva zvakatevera.
Fungisisa pamusoro pezvinotevera izvi:
- Jesu anovata paneunganzi mutsamiro wemuchikepe. Zvikepe zvekuraurisa zvaiwanzo gara nemutsamiro 1 chete, uyo waishandiswa nemutyairi wechikepe, pachigaro chake. Aigara apa ndiye aifambisa chikepe kuenda kwachaifanira. Saka apa Jesu aripanzvimbo ye “mutyairi” wechikepe,” asi akabatwa nehope.
- Havasi vose vadzidzi vaiziva kufamba muchikepe. Petro, Jakobo, na Johani ndivo vaiziva kuraura hove. Vaiziva Gungwa reGarire sekuziva kwavaiita seri kweruvoko rwavo, uye vaingaziva zvekuita mudutu rakadai.
- Ndipo poga muzvinyorwa zveVhangeri matinovona Jesu akarara. Panguva yedutu rakaipisisa muvupenyu hwavo hose, vadzidzi vachitya zvikuru paifunga kuti vava kufa, Jesu akararira pachigaro chemutyairi.
- Zvinoitwa nevadzidzi panguva yenjodzi huru “Hamuna hanya here?” Vakashamiswa nechimiro chaJesu nerudo rwake kwavari. Kakawanda, ndizvo zvatinoitavo isu kana tasangana nemadambudzuko.
Munguva dzakaipisisa umo tinoedza kuzvibatsira (sevadzidzi), kana kuti dzimwe nguva patinorwadziwa kana kurasikirwa apo tinotanga kushaya kutenda nekubvunza rudo rwaMwari kwatiri. Tinofungidzira kuti panenzira dzatinofanira kuita zvinhu nadzo takatsamira pakufunga kwedu nekuvona kwedu sevanhu. Asi sezvakaitwa nevadzidzi, munguva dzedutu revupenyu umo Mwari anoita minana inoshamisa kwazvo. Mwari akatendeka nguva dzose, kunyange panguva iyi anoita seasipo kana kusavapo tichimuda kwazvo. Arimo mudutu redu kuti arinyaradze kana takundikana.