HomeResourcesSabbath School quarterly

Mumugwagwa WeEmausi

10/06/2026

Chaiva champidigori kwemavhiki mashoma akanga apfuvura kuvadzidzi vaviri pavairangarira mupfungwa dzavo zvimwe zvakanga zvaitika nenhaurirano dzavaiva vapinda madziri. Kupinda kwekukurira kwemuJerusarema, nekudzinga vanhu vaisvibisa temberi. Paseka muimba yepamusoro. Munamato waJesu muGetsamane. Kutengesa kwakashata kwakaitwa naJudasi. Kutongwa, kusekwa, kurohwa. Muviri wakakuvadzwa waJesu wakarembera pamuchinjikwa nemashoko ake ekupedzisira asati afema mweya wekupedzisira apo masikati akashanduka akava rima. Kubvaruka kwejira remutembere kwakanzwikwa. Makuva evatsvene akazaruka. Kutora muviri waJesu zvakanaka kubva pamuchinjikwa nekunouviga mubwiro Sabata risati ratanga. Tevere nyongano, kukuhunika, nemibvunzo yakawanda mupfungwa dzevadzidzi. Kuti vakanga vashandira pasina here?

Vateveri vaJesu vakuhunika, varasa tariro, vava nenyongano mumusoro. Uku ndiko kudzorerwa kumashure zvikuru muvupenyu hwavo hose apo vaviri vavo vaifamba munzira yeEmausi, Jesu akasvika pavari akafamba navo.

Pakangovhurwa meso avo, vateveri vaviri vakamhanyidzana kudzokera Jerusarema kunovudza zvinhu zvakanga zvaitika mumugwagwa (Ruka 24:33, 34). Jesu paakasvika akamira pakati pavo, vakavhunduka nekutya kukuru: Tarisa mibvunzo yake kwavari: “ ‘Ko munomanikidzirwei? Ko nemhaka yei kupokana kwakamuka mumwoyo yavo?’ ” (Ruka 24:38).

Iri ndiro shoko raJesu kwatirivo isu nhasi. Nguva zhinji, tinokanganwa kuti Jesu anofamba parutivi rwedu mumipata yedu. Nguva zhinji hatimuzivi. Nguva zhinji tinokanganwa kuti murungano mune zvimwe zvakawanda. Nguva zhinji tinonetsekana nekubvumira kupokana kuti kumuke mumwoyo yedu, tichikanganwa kuti Jesu anevupenyu hwedu hwakachengeteka mumavoko ake. Uye nguva zhinji tinofunga kuti tinoziva kupfuvura Jesu nezviri kuitika muvupenyu hwedu, (Ruka 24:18).