HomeResourcesSabbath School quarterly
Poreswa
08/06/2026
Imbofungidzira mhomho yevanhu pamahombe-kombe eGarire. Vakanga vakamirira kudzoka kwaJesu kubva mangwanani-ngwanani, saka paanobuda muigwa, vanomumanikidza, vachimutevera kuinda mumusha weKapernaumi. Ipapo, Jairosi, mukuru wesinagoge, anosvika achikumbira Jesu kuti avuye kuzoporesa mwanasikana wake airwara.
Mumwe munhu mumhomho iyi, mudzimai aiva achirwara kwemakore mazhinji. Akapedzera mari yake yose munana chirema, asi “hazvina kumubatsira, asi zvakatowedzera” (Marko 5:26). Akanga anzwa nezve Murume uyu Mukuru weGarire, nekutenda mumwoyo wake, anokoka simba shoma-shoma kuti abve pamba pake mangwanani achitevera ruzhinji. Kumanikidzana kwevanhu kwakada kumubitiridza nekushaiwa mhepo yekufema paaiswedera pedyo naJesu. Nekusandudzira nekuzvitukutidzira pakati pevamwe, anomuvona. Anozvishingisa achiti: “Kana ndikangobata mupendero wenguvo yake chete, ndichaporeswa” (Marko 5:28).
Chiitiko ichi chinoratidza hanya yaJesu netsitsi kunevanorwara nevari voga, neavo vanowanzo rashwa neruzhinji. Vakawanda musi uyu vakakwizirana-kwizirana nevamwe kana naJesu pavaisundana muruzhinji, asi kutsvaka kubata Jesu kunechinangwa kwakagashira maropafadzo aaida zvikuru. Kana hazvo zvakadaro hakusi kubata kwake kwakamuporesa; asi kwaiva kutenda kwake kwakamuporesa (Marko 5:34). “Muponesi akakwanisa kuparadzanisa kubata kwekutenda kubva kune kweruzhinji kwaiva kusina hanya.”—Ellen G. White. Nguvo yaJesu yakanga asina simba rakatsanangurika; asi; kwaiva kutenda kwemudzimai nesarudzo yake yekutsvaka kumubata kuti aporeswe.
Mudzimai aiva ndonda, mukurwara kwake nekushungurudzwa, aingadai akagara kumba kwake akarara pavuvato hwake mangwanani aya, asi akazvimisira nekutenda kutsvaka Jesu nekusakurira vushamwari mukutsvaka kuporeswa. Kumuvona arikure zvakanga zvisina kukwana; akaswedera pedyo naye.
Jesu anotikoka kuti tiitevo zvimwechete izvi nhasi, anoti, “ ‘Vuyai kwandiri imi mose makaneta makaremerwa, ini ndichakupai zororo. Torai joko rangu. Dzidzai kwandiri, nekuti ndirimunyoro, kuti muzviwanire zororo remweya yenyu’ ” (Mateo 11:28, 29).