Tinoda kubatirira kuna Mwari kana tasangana nemadambudziko makuru evupenyu. Misoro yenyaya yatabata mukota ino yose inobatsirana kumutsidzira nekuchengetedza vukama hwekufamba naMwari. Kana wasangana nezvigumbuso zvakafanana nevutano hwaparara, dambudziko remari, kana dambudziko muwanano, kana kuda mumwe munhu pedyo newe, kana mumwe wemitoro inokubira mufaro wako, imbofungisisa nezvemibvunzo inotevera uchifungazve nezvezvidzidzo zvatabata kusvika zvino.
Mibvunzo Yekutaurirana:
Pfupiso: Tichiri kurarama munyika yechitema yakazara nekurwadza nekutambudzika, mumwe nemumwe wedu anematambudziko ake pano nepapo, zvinhu zvinogona kutikonzera kubvunza rudo rwaMwari. Patinovona zvakaitwa nevamwe vari muBhaibheri munguva dzekushungurudzwa, tinogona, kushinga kuti mazviri tinosimbisa vukama hwedu naMwari, asingashanduki (Maraki 3:6) uye anerudo runoramba rwakadaro nguva dzose.