HomeResourcesSabbath School quarterly
Kusvika Kusingaperi
20/06/2026
Verenga Kugadzirira Chidzidzo Chevhiki Ino
Mapisarema 80, 1 VaTesaronika 4:17, Zvakazarurwa 21:9–27, Isaya 25:8, Zvakazarurwa 7:17, Zvakazarurwa 21:4, Johani 6:44.
Chemusoro:
“Vadikanwa zvino tiri vana vaMwari, vuye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Tinoziva kuti kana achizovoneswa, isu tichafanana naye; nekuti tichamuona sezvaakaita” (1 Johani 3:2).
Ko remangwana rakakutakurirei? Kumberi kunei? Zvinogona kuita sezvakawoma, kufadza, kutyisa, kana kushamisa zvose hazvo. Ziva kuti Jesu akatendeka uye kuti shoko rake nderazvokwadi (Zvakazarurwa 3:14). Asi nguva dzematambudziko makuru dzichavuya pamberi apo (Mateo 24:21, 22), asi akavimbisa kuti haazombokusiyi kana kukukanganwa (VaHebheru 13:5). Achaita zvose zvaakataura—uye senguva dzose ndizvo zvaari acharamba akangodaro (VaHebheru 10:23). Uye “uyo anoshingirira kusvika kumagumo achaponeswa” (Mateo 24:13).
Zvisinei nemazuva atasara nawo panyika, tinofanira kutarisa pana Jesu, takashinga paari woga. Izvi hazvisi nyore nguva dzose munyika inevanhu vanoda kuwonererwa, asi naDavida tinogona kuti, “Meso angu anoramba achitarira kuna Jehova, nekuti anobvisa tsoka dzangu pamumbure” (Mapisarema 25:15).
Vhiki ino ngatidzidzei nezvemubairo wedenga (Mateo 5:12, Zvakazarurwa 22:12), denga richava rakaita sei; uye pakupedzisira, zvichashamisa sei kuva neUyo wakatisika, akatida kusvika parufu, akatidzikinura kubva kuzvivi zvedu, uye achavuyazve nekukurumidza. Tinofanira kungobatirira pakutenda kusvika ko.
*Dzidza chidzidzo chevhiki ino kugadzirira Sabata, Chikumi 27.