HomeResourcesSabbath School quarterly
Kurarama Nhasi
21/06/2026
Kana tichitarisa zvakatipoteredza, tinovona nyika ichipidiguka nekugomera, nezviratidzo zvatakavudzwa naJesu zviri kuitika pamberi pedu. Hondo, neguhu rehondo, hushe huchamukira hushe, nenzara, nezvirwere, nekudengenyeka kwenyika nekutambudzwa kwevatsvene (Mateo 24:6–11) zviri kuitika pamberi pedu kose kose uye zvinoita sezviri kunyanyisa nekufamba kwenguva. Hongu, tinorarama munguva dzakaipisisa kwazvo—munguva idzi tinofanira kugara muna Mwari.
Tinovudzwa kuti, “Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwavapedyo; naizvozvo ivai vakachenjera, musvinure kuti munyengetere” (1 Petro 4:7). Kana zvaiva zvakadaro kareko, saka, kuzoti ikozvino inguva yekusimbisa vukama hwedu naMwari. Uye zvisinei nekureba kwenguva kuguma kusati kwasvika, vupenyu hwemumwe nemumwe wedu hupfupi zvaho, zvisinei nekureba kwenguva yekurarama kwedu. “Nhai imi munoti: Nhasi, kana mangwana tichaenda kuguta rokuti, tigogarako gore, tichitengesa, tifume-imi musingazivi zvemangwana. Vupenyu hwenyu chinyiko? Nekuti muri mhute, inovonekwa nguva duku, ndokunyangarika” (Jakobo 4:13, 14). Tinoziva kuti yambiro iyi ndeyezvokwadi zvakadini. Iwe urikuverenga mashoko aya izvozvi unogona kuzova usisiri mupenyu zuva iro risati rasvika. Ichi ndicho chimwe chokwadi chinorwadza munyika yakaputsika. Zvakakosha sei saka, kugadzirisa vukama hwako naMwari nguva dzose nekurarama uchiziva kumuda kwatinoita nenyasha dzake dzekutiponesa?
Tose tinoda rumutsiriro muvupenyu hwedu. Zvirinyore kwazvo kuzorora zvedu tisina hanya nezviri kuitika kana kutokanganwa zvawakaitirwa kana zvauri kuitirwa naMwari. Izvi mudaviri akatendeka angatambudzika kunamata achiti: “Tidzosereizve, Jehova Mwari wehondo; Penyesai chiso chenyu, isu tiponeswe!” (Mapisarema 80:19)? Kana wagashira zvawakaitirwa naJesu, uchiziva kuti zvivi zvako zvakaregererwa uye kuti wakaputirwa nekururama kwake kwakaperera, ukapiwa kururama nekutenda, unogona kuziva kuti wakaponeswa.