HomeResourcesSabbath School quarterly

Kudzidza Kuenda Mberi

26/06/2026

“Kana tikasagashira chinamato chaKristu nekudya muShoko raMwari, hatizogoni kupinda muguta raMwari. Isu takamborarama nezvekudya zvepanyika, takaravira nekuda zvinhu zvenyika, hatizogoni kufanira denga; hatikwanisi kufarira zvakaperera, nemweya wekudenga inotenderera mudenga. Hatizofadzwi namazwi evatumwa nenziyo dzemarimba eko. Sainzi yedenga ichava dambudziko kupfungwa dzedu. Tinofanira kuva nenzara nenyota yekururama kwaKristu; tinofanira kuwumbwa nekugadzirwa nesimba renyasha rinotishandura, kuti tifarire kugarisana nevatumwa. . . .

“Nyika hadzizovi nemumwe mutemo kunze kwemutemo wedenga. Tose tichafara, tava mhuri yakabatana, takapfekedzwa kurumbidza nekuvonga. . . . Mhiri uko nyeredzi dzemangwanani dzichaimba pamwechete, nevana vaMwari vachadaidzira nemufaro, apo Mwari naKristu vachabatana mukutaura nesimba kuti, ‘Hakuchazovizve nechitema, kana rufuzve.’

“Tinoda kugara mutsika yekutaura nezvedenga, denga rakanaka. Kutaura nezvevupenyu huchagara nekusingaperi saMwari, uye uchakanganwa zvimiyedzo zvako zviduku-duku nemanetswa. Regai pfungwa dzibatane naMwari.”—Ellen G. White.

Pfupiso: Patinoramba takatarisa pamugove, tinogona “kugutsika nekuda kwechinhu ichi, kuti uyo wakatanga basa rakanaka matiri acharipedzisa kusvika pazuva raKristu Jesu” (VaFiripi 1:6). Mwari akatanga vukama hwaanaho newe, uye achahupedzisa. Ngatikurei murudo nekutenda patinenge takamirira zuva iri, nguva dzose takatsamira pakururama kwaKristu chete, kwatinongopiwa hedu nekutenda.