HomeResourcesSabbath School quarterly

Minwe Yakabatanidzirwa Kuzvikudza

12/04/2026

Kuzvida. Kana uchifunga nezveizwi iri, unogona kufunga munhu wezvematongerwe enyika, kana mufumi anemukurumbira, kana pikoko. Kuzvida kunzwa wakakosha kupfuvura vamwe vanhu. Hongu, kuzvida kunonzwikwa—zvinonzwikwa zvacho hazvisi zvinhu zvaunogona kana kuda kutsamira pazviri.

Kuzvida kwakatanga naLusifa, kerubi raifukidzira, uyo waiva mushandi waMwari wepedyo. Hatizivi kuti fungwa idzi dzakakambairira mumwoyo wake sei uye riini, asi tinoziva kuti pfungwa idzi dzakakonzera kudenga nepasi kupinda mune yatinoti hondo huru. Tinovona kuti Satani imhandu yaMwari. (Enzanisa Isaya 14:12–14 na VaFiripi 2:5–11.) Nekuda kwaizvozvo nyika yadzungaira nekuda kwematuso ezvivi kubva Satani paakadyara muna Adamu naEva pfungwa idzi nekuvaidza kuti vazvide nekuvimba nezvavanogona vachisiya Mwari.

Kuzvikudza kunogona kuva kwakanaka here? Zvimwe muzvimiro zvatisingazivi, kunyange tichigona hedu kurishandisa izwi iri mune zvakanaka, kana tichitaura nekubudirira kwemunhu kana kuyemura zvakasimba zvakaitwa nemunhu achiitira vamwe (“Ndinodada newe!”). Zvakakosha kunzwisisa kuti kuda kuita zvakanakisisa nekuziva nekuyemura zvipo nekugona zvinobva kuna Mwari zvisina kuzvida. Kana takatarisa Magwaro, kune dzimwe nzira dzekuzvida dzakanaka muMagwaro (funga nezverairo yaJesu muna Marko 12:31, umo maanoti ida vamwe sekuzvida kwaunozviita), uku kuda kusina chindini nguva dzose. Vanhu havazvikudzi kana vana Mwari muvupenyu hwavo nechinangwa chevupenyu (tarisa 1 Timoti 3:1). Vanhu vanodada kana vasingapi Mwari mbiri nekuda kwezvaanovaitira muvupenyu hwavo.

Tinofanira kuchenjerera kurangarira kuti zvinhu zvatinazvo, kugona kwedu, nezvatakakwanisa kuita hazvisi izvo zvinoratidza kukosha kwedu. Asi, kukosha kwedu kunofanira kubva kuna Mwari nguva dzose, nekuti zvose zvatinazvo, kunyange zviya zvinotiedza kuti tizvikudze nazvo, zvinobva kwaari vo. Iri ishoko ratisingafaniri kumbokanganwa.