HomeResourcesSabbath School quarterly

Tarisai Kwaari

16/04/2026

Mukusiyana kukuru nevadzidzi kwekuda kuva vakuru nezvavaidaira zvekuti vaiva nani kupfuvura vamwe, tinovona Jesu—chiratidzo chikuru chekuzvininipisa. Jesu, akati, “ ‘Asi ndiri pakati penyu semuranda wenyu’ ” (Ruka 22:27). Jesu, uyo mazuva ose aizvipa nekuda kwevaishaiwa nekuda kwekuvanzwira tsitsi nekuvona ruzhinji semakwai asina mufudzi. Aiziva kuti vanhu vaida muponesi zvikuru muvupenyu hwavo, kana nepo vashoma vavo vaiziva idi iri. Jesu, akasiya denga kufira vanhu netariro yekuti vaizonzwisisa basa rake renyasha nekugashira rukoko rwevukama naye.

Jesu akaita zvose. Akatakura zvose. Kana tikamira kwenguva yakati-kuti tichimuona—zvechowadi akaperera—tinobva tavona kusarurama kwedu, tsvina dzedu nechimiro chedu chinomushaya kwazvo muvupenyu hwedu nhasi.

Kana tichimutarisa, zvimwe zvose (zvikuru sei isu pachedu nekuvona kwedu kwevukuru husipo) hunopera. Kuti Jesu ndiani, wakaitei, uye anoda zvisikwa zvake zvekuzviisa pamberi pake nepakati pake. Chindini chinobva chapera zvechokwadi kana tikamutarisa.

Jesu. Izita rakanaka sei rinesimba. Ndiye chinangwa chevanhu chepamusoro-soro. Kana mwoyo yedu ikadzidza nezvake, nekunzwisisa zvaakatiitira, nekubvumira mashoko ake evupenyu kupinda mupfungwa dzedu, tinobva tavona kuti tinozvida zvakadini uye tisingabatsira sei tiri varombo. Kana vadzidzi vake, vakararama naye nekudzidza kwaari, vakatambudzika nekuzvida, hatigoni kuzvinyepera kuti tiri nani. Pakupedzisira, tinogona kukura muvukama hwedu naJesu kana tichizvininipisa.