HomeResourcesSabbath School quarterly
Mosesi, Muranda Munyoro
14/04/2026
Dzimba dzehushe dzeEgipita dzaizvikudza nefuma, mafaro nekugarika. “ ‘Mosesi akanga akadzidza vuchenjeri hose hweEgipita, uye aiva nesimba guru kwazvo mumazwi nemabasa’ ” (Mabasa 7:22). Vupenyu hwesimba, fuma zhinji, nemukurumbira zvaiva zvakamumirira, asi Mosesi akasarudza zvimwe vo. “Semunyori wenhoroondo, nanyanduri wenhetembo, muchenjeri mukuru munezvekudzidza, mukuru wemavuto, negorokota muhurumende, haana mumwe akaita saiye. Asi nenyika iri pamberi pake, akazvibata zvekuramba mafaro efuma nemukurumbira, ‘akasarudza kutambudzika nevanhu vaMwari, pane kufarira zvivi kwenguva duku.’”—Ellen G. White
Kuzvininipisa kwaMosesi kwekutanga kunoshamisa, takatarisa simba raaiva naro nekwaakanga abva, nekuda kwechitema chaakaita nehasha (Ekisodo 212), akatadza kuzvidzora nekugutsikana. Nemakomo sekirasi yake nekuzvikudza kwapera, kwemakore 40, Mosesi wakadzidziswa naMwari zvaaifanira kuziva mukutungamirira nyika kubva muvuranda vachiinda kuNyika Yechikipirwa. Simba nefuma zvaigona kumupa humwe vupenyu muEgipita zvakashaya simba apo Mosesi akasarudza vupenyu husingaperi. Mwari akanga amudaidzira basa rimwechete, Mosesi akateerera.
Zvimwe nekuda kwenyaya iyi, Numeri 12:3 inotivudza kuti: “(Zvino munhu uyu Mosesi akanga ari munyoro kupfuvura vanhu vose vaiva panyika)”. Mosesi, mumwe wevatana vakuru kwazvo muBhaibheri, anozivikanwa nekuva munyoro kwazvo, nekuzvininipisa. Funga kuti vupenyu hwake hwaingadai hwakadini nehutungamiriri hwake kudai kuzvida kwakapinda mune zviitiko zvose zvikuru zvevupenyu hwake: gwenzi raipfuta, matenda emuEgipita, kuyambuka Gungwa Dzvuku, kuwa kwemanna kubva kudenga, kutaurirana naMwari, kugashira Mirairo Inegumi, nekunzwa mashoko aMwari abva kurova Dombo.