HomeResourcesSabbath School quarterly

Kudzidza Kuenda Mberi

17/04/2026

“Patinonyanya kuswedera kuna Kristu ndipo patinovonavo kusachena kwezvimiro zvedu, ndipo zve patinovona kuipa kwezvivi nekuvona kusafanira kwekuzvikwidziridza. Vanovonekwa nedenga sevatsvene ndivo vasingambozvikwidziridzi kana kuvona sevakanaka”.

“Kuzvininipisa kunoteverwa nekukudzwa. Kugara pakakwirira pamberi pevanhu, Denga rinosarudza mushandi, saJohani Mubhapatidzi, anotora chigaro chepasi pamberi paMwari. Mudzidzi akafanana nemwana muduku ndiye mushandi waMwari wakaperera. Vachenjeri vekudenga vanoshandidzana naye anotsvaka, kusazvikwidziridza, asi kuponesa mweya. . . .

“Kana vanhu vachizvikwidziridza, vachiti vanokodzera kuita basa muzano raMwari, Ishe anovaisa parutivi. . . .

“Zvakanga zvisina kukwana kuvadzidzi vaJesu kurairwa nezvevushe hwake. Zvavaida kwaiva kushanduka kwemwoyo kwaivawunzira rugare nemirairo yake. . . . Kurevesa, nekukanganwira kuri muzvimiro zvevana vaduku ndizvo zvimiro zvinokosheswa neDenga. Uhu ndiho hunonzi hukuru chaiho. . . .

“Mwoyo wakaperera, nemweya wakapwanyika unokosha pamberi paMwari. Anoisa ringi yake paruvoko rwevakadai, zvisingabvi pakukosha kwavo, kana fuma yavo, kana pakuchenjera kwavo, asi pahumwe hwavo naKristu.”—Ellen G. White.

Mibvunzo Yekutaurirana:

Pfupiso: Kuzvida kunogona kuva chigumbuso chikuru kwazvo chinokanganisa kukura kwako kwevukama hwako naMwari. Kana tikanzwa tisina chatinoshaiwa nekusaziva zvatinoda muvukama uhu, hatigoni kuzvitsvaka. Kune rumwe rutivi, Jesu ndiye munhu akazvininipisa kupfuvura vamwe vose akava muenzaniso wakaperera wevukama hwevanhu naMwari.