HomeResourcesSabbath School quarterly

Kutadza Kukuru Kwazvo

15/04/2026

Imbofungira kuti kudai waiva mudzidzi waJesu. Uchifamba naye, uchidya naye, uchivata pedyo naye, nekudzidza kubva kwaari achishandura vupenyu hwevanhu vazhinji, kusanganisira hwako vo iwe. Vanhu vanomupoteredza vachimutevera, iwe wobva vavona kukosha kwazvo kwekuti akakusarudza kuva mumwe we 12 vari pedyo naye. Wobva watanga kushamiswa: Kuti asi ndiani mukuru pakati pevadzidzi vake vose?

Mumwe aingafunga kuti mushure menguva yakareba zvakadai pedyo naJesu, nharo dzakadai dzakanga dzisingambofaniri kunzwikwa kana kupinda mupfungwa dzavo. Asi hazvisi izvo zvakaitika.

Pane kuti varume ava vagutsikane nekudaidzwa kwavo, kuzvida kwakamuka mumwoyo, mumwe nemumwe achifunga kwaaingada kusvika kuri nani kupfuvura vamwe. Zviri nyore kubvumira pfungwa dzakadai kutonga pfungwa dzedu. Asi tinovudzwa kuti “hakuna chinotsamwisa Mwari kana njodzi kuvanhu sekuzvida nekunzwa usingashaiwi chinhu. Pakati pezvitema zvose ichi ndicho chakaipisisa, chisingarapiki kupfuvura zvimwe zvose.”—Ellen G. White.

Izvi zvakakosha kwazvo kwatiri. Kuzvida kwedu kunotsamwisa Mwari kupfuvura zvimwe zvose, uye itsika yakawoma kukurira nekuti nguva dzakawanda hatiivoni sezvairi. Muchimiro chedu chekuzvinzwa takakwana, tisingadi muponesi, hatizvinzveri, zvechokwadi kuzvida ndimambo. Tinofanira kumira, tozviwongorora, tokumbira kuti Mwari atizarure maziso tivone zvatiri chaizvo, nekuti kuzvida kunogona kutora mukombe wekutirambidza kuva nevukama hwakasimba naMwari nhasi.