HomeResourcesSabbath School quarterly

Basa ReBhaibheri

18/04/2026

Verenga Kugadzirira Chidzidzo Chevhiki Ino

Kuungudza 3:22, 23; 2 Timoti 3:15–17; Johani 17:17; VaEfeso 1:13; Mapisarema 119:11; 1 VaKorinde 2:14.

Chemusoro:

“Nekuti Shoko raMwari ibenyu, rinesimba rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri. Rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nemweya, nemafundo nemwongo; rinotonga mifungo nendangariro dzemwoyo” (VaHebheru 4:12).

Bhaibheri. Hazvina mubvunzo wekuti unaro rimwe kana akawanda. Munhoroondo yose, bhuku iri rakakosha rakadzokororwa kunyorwa pakavanda, rikapinzwa munzvimbo dzarisingabvumirwi nerweseri rakarambidzwa. Ndiro bhuku radhindwa kupfuvura mamwe ose akambodhindwa panyika, mundimi dzakawandisa, uye riri rekare kupfuura mamwe ose. Vamwe vakafira kuti Bhaibheri richengeteke.

Bhaibheri riripi muvupenyu hwako? Unoriverenga here kana rinogara haro pedyo nemubhedha wako kana pasherefu inogara mabhuku richizara zvaro guruva? Unezvekuita zvakawandisa here zvekushaya nguva yekudzidza Shoko raMwari kana unoneta zvekutadza kurizarura?

Shoko raMwari ibenyu uye rinesimba, saka Mwari anokudaidza kuti ataure nemwoyo wako, akukurudzire, kukudenha nekukushandura, nekukupa rairo netariro.

Bhaibheri harisi bhuku rekudzidzisa zvechikoro kana nyaya dzekare dzakawunganidzwa. Asi chinyorwa chakakosha chakanakisisa chinotaura neKusikwa kwedenga nepasi chinotsvaka kutikwevera kwaari. Kana uchida kukura muvukama naMwari, chinhu chakanakisisa chaungaita kuzvipira kupedza nguva yakakosha naye zuva nezuva uchinamata, uchiverenga Shoko rakafemerwa, nekupa zvidiso zvako kune zvarinodzidzisa.

*Dzidza chidzidzo chevhiki ino kugadzirira Sabata, Kubvumbi 25.