HomeResourcesSabbath School quarterly
Chimiro Chemwoyo
23/04/2026
Kukwanisa kwedu kugashira rairo inobva muShoko raMwari (Jobho 22:22) kwakatsamira zvakanyanya pachimiro chemwoyo yedu kana tichizarura Bhaibheri. Ko 1 VaKorinde 2:14 inozvitsanangura sei izvi?
Kunzwisisa zvinhu zvemweya kunzwisisa. Zvinemusoro, nekuzarukira zvinhu zvemweya kunobatsira munhu kuva nemamwe mavonero mukuverenga Bhaibheri kupfuvura munhu akavharika. Munhu anofunga kuti Bhaibheri rakazara hupenzi haagoni kuvona chokwadi mariri.
Shoko raMwari rinoshanda matiri kana tichitenda mariri. Kana uchizarura Bhaibheri rako uchitenda kuti Mwari anezvaanoda kukuvudza mariri, anotaura newe zvechokwadi nekushanda mauri. Asi zvakawanda zvakatsamira pakutenda kwako nezvaunotarisira. Nhau yakanaka ndeyekuti kana kutenda kwako kuri kuduku, Mwari anogona kukubatsira kuti kukure (Marko 9:24), kunyange kuri kuduku-duku sembeu yeruninga (Ruka 17:6).
Chimwe chinangwa cheBhaibheri ndechekutaura zvokwadi kwauri nezvechimiro chevukama hwako naMwari nekuti ungahusimbisa sei. Kana mwoyo wako uchida kugashira Mweya Mutsvene, ukainda muBhaibheri nekuzvininipisa, uchabva wakashanduka nguva dzose, kana nepo mumwe angatadza kuzvivona mazuva ose, nekuti kushanduka uku nekukura zvinoratidza kuwedzera. Asi kana tikabatiria kukushaya hanya nazvo nekuramba tiri muzvivi tisingadi kushanduka, kuverenga Bhaibheri kunobatsira zvishoma. Mweya Mutsvene anotimutsira kuswedera kuna Jesu Kristu. Tinoda here kuswedera kana nenhano imwe? Kana zvakadaro, tinova “vakachenjera kuruponeso” (2 Timoti 3:15), uye tichavona zvinhu zvatisina kana kumbofungira.