HomeResourcesSabbath School quarterly
Kudzidza Kuenda Mberi
24/04/2026
Kana ukafunga mashoko awataura zuva rose rapfuvura, ungazviisa papi? Anga anerudo here, vunyoro, achifadza, nekusimudzira kana kukuhunisa kana kuratidza kuneta, kushuvira zvimwe, kutsamwa, ari emakuhwa kana ruvengo? Bhaibheri rinoti, “ ‘Nekuti muromo unotaura zvizere mumwoyo’ ” (Mateo 12:34). Kana tine marara mumwoyo, anobuda nemashoko.
Tose takambokuhunika, takamboneta, takamboshungurudzwa mupfungwa nezvakabuda mumuromo medu (zvikuru sei mashoko atinozozvidemba). Asi kana tichida munhu zvinongobuda mumuromo zvoga.
Mwari anotaurawo nemwoyo yedu saizvozvo. Zvinoshamisa kuti mashoko aya tinawo muBhaibheri, aine simba nguva dzose kubva kare.
“Kutora Bhaibheri sebhuku retsika dzakanaka ndezvimwe, asi kuriteerera nguva dzose ndeimwe nyaya nekuritora seshoko benyu raMwari, vupenyu hwedu chaiho, shoko rinesimba mumaitiro edu, mashoko edu nepfungwa dzedu. Kusatora shoko raMwari neimwe nzira kuriramba. Kuramba izvi kungaitwa nevanoti vanozvitenda, ndiko kunokonzera kushaya kutenda nekurasa kutenda munevechidiki.”—Ellen G. White, Education, p. 260.
Mibvunzo Yekutaurirana:
Pfupiso: Bhaibheri ibenyu rinesimba, uye kuriverenga hwaro hwakanakira kukura muhukama naMwari. Haringotidzidzisi nezvechimiro chinoshamisa chezvaatira vanhu kwemazera-nemazera—rinotauravo nemumwe-nemumwe wedu nhasi kana tichivuya kwariri nekuzvininipisa.