HomeResourcesSabbath School quarterly

Magwaro, Simba Rekurarama Naro

20/04/2026

Kana kuri kudzidza Bhaibheri uri wega, tinofanira kungwarira kusatarisira kuti Bhaibheri rigadzirise zvinangwa nematambudziko edu ose semavonero edu. Semuenzaniso, hatifaniri kushandisa nzira, “yekuvhara maziso edu tongovhura Bhaibheri tobva taverenga ipapo” nekuti haisi iyo nzira Mwari yaanoda kutaura nesu muShoko rake. Mwari haasi chidhori chiripatambo, chakamirira kuita zvatinoda. Nzira dzake nendangariro dzake zviri kumusoro-soro kupfuvura dzedu (Isaya 55:9), saka hatifaniri kutongera shoko rake matiri. Kana kusarudza zvakatinakira zvatinoda mariri. Asi tinofanira kuvona Bhaibheri rose sechinhu chimwe pane kuverenga zvirinyore kunzwisisa nendima dzakajairika tichisiya zvakawoma. Kana tichida zvechokwadi kuti Mwari ataure kwatiri, tinofanira kutora Bhaibheri rakakwana nenzira dzakanaka kana tava kuridzidza, tichivimba kuti Mwari achazviratidza nevaanoda kuti tinzwe mariri.

Kana naJesu Pachake anotivudza kuti: “Ida Jehova Mwari wako nemwoyo wako wose, nemweya wako wose, nepfungwa dzako dzose’ ” (Mateo 22:37). Kureva kuti Mwari ane hanya nepfungwa dzedu; asi, achida kuzivisa pfungwa dzedu vuchenjeri hwake hukuru kwazvo nekunzwisisa, izvo zvaakaratidza, zvishoma muShoko rake. Tinogona kuverenga muzvinyorwa zvakawanda zveBhaibheri umo Mwari akakurukurirana nevanhu vakaita saana Enoki, Abrahama, Mosesi, naJobo, nekutaurirana kwakawanda kwaJesu nevanhu. Mwari haasvetuki nepamusoro pepfungwa dzevanhu asi anovakoka kuti vazvipire kuShoko rake nevuchenjeri pavanenge “vachishandira” ruponeso rwavo.

Kufunga kwevanhu nehuchenjeri hwavo, zvinoramba zviri zvevanhu—nekugona kukanganisa nekunyengera. Kunotokoniwa chete. Zvinogona kuti kufunga kwevanhu kusandudzire Mwari parutivi mukuedza kugadzirisa zvinhu voga, zvinoinzanisa munhu kana kumuisa pamusoro paMwari munyaya dzekufunga. Vanhu vanogona kuverenga Magwaro nemwoyo wekuzvikudza newekushora, vachifunga kuti vavakuziva zvakawandisa zvose hakusisina zvitsva. Ndepaya patinonzwa takakosha, tichizvinzwa, zvose tinazvo, pasina chatinoshaiwa asi tisina hanya nevukama hwedu naMwari takatsamira varuzivo rwedu rwakamonyoroka rune miganhu.