HomeResourcesSabbath School quarterly
Numbi Yekurwa Nayo Yakasimbisisa
19/04/2026
Tisati tatsvakisisa kuti nei Bhaibheri rakakosha uye nenzira yaungachera mukati merako Bhaibheri uchidzidza, pane zvatinofanira kunzwisisa: Kumwe kurwiswa kwaungaitwa naSatani ndekwekukukonzera kuti usava nenguva naMwari muShoko rake. Kubvisa vanhu pamaBhaibheri avo kuburikidza nemabasa, kushaya hanya naro, kuneta, nekusavimba naro izano rake rekutangisisa. Anoziva kuti kana tikava nenguva naMwari muShoko rake, zvinotimutsidzira nekusimbisa mweya yedu, saka anoita zvose kutitisariverenga!
Tinovudzwa kuti “Satani anoita zvose zvekudzivisa vanhu kuziva Bhaibheri; nekuti zvarinotaura zvose zvinoratidza kunyengera kwake.”—Ellen G. White. Satani anoziva kuti Shoko raMwari rinesimba rinomupedza simba. Satani anoziva kuti munamato nekudzidza Bhaibheri ndizvo zvombo zvinesimba guru kwazvo zvinogona kushandiswa nevanhu kumurwisa (VaEfeso 6:17, 18; VaHebheru 4:12), saka anoita zvose kuvadzivisa kuverenga nekunamata. Anoziva kuti mashoko aMwari anesimba uye haana kungotaura nyika ikavapo chete (Mapisarema 33:6), asi anomutsa vakafa (Johani 11:41–44) nekutipa simba rekukurira (Mateo 4:1–11).
Nekudzivisa vanhu vaMwari kuva nemaBhaibheri, Satani haangokanganisi vukama hwedu naMwari chete asi nevamwevo. Wanano dzedu dzinokanganisika, tinopopotera vana vedu, uye hatina mwoyo murefu neshamwari dzedu kana vatinoshanda navo. Vupenyu hunoita sehune zvakawandisa zvekuita; tinonzwa tichishushikana nekuremerwa, pasina nzira yekubuda nayo. Uye nguva zhinji hatimbomiri kuti tivone zvirikuitika. Tinombofunga kuti tiripedyo naMwari, asi chokwadi chaicho, kana mazuva nemavhiki apfuvura tisina kana kuvhura Shoko raMwari, tinopedzwa simba zvakanyanya zuva nezuva.
Sekerubi yaifukidzira isati yawa (Ezekieri 28:14–17), Lucifa akanzwa mashoko aMwari nekunzwisisa simba rawo rinoshamisa. Zvino ava kuvenga idi iri, saka zviripachena kuti nei pfungwa dzedu dzichibatwa nechiveve nemwoyo yedu ichiremerwa kana tichisarudza kusanzwa nekurarama shoko raMwari muvupenyu mazuva ose.