HomeResourcesSabbath School quarterly
Nzira Dzekudzidza Bhaibheri
25/04/2026
Verenga Kugadzirira Chidzidzo Chevhiki Ino
Johani 15:1–8, Marko 1:35, 1 Makoronike 16:11, Mapisarema 119:105, Isaya 50:4, Isaya 55:1–13.
Chemusoro:
“Ndizvo zvichaita Shoko rangu rinobuda mumuromo wangu;haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda richipedza zvandakaritumira” (Isaya 55:11).
Imbofunga pawakapiwa Bhaibheri rako rekutanga. Zvimwe wakanga uchiri mwana muduku, ndokubva waripiwa nehama yeChikristu. Kana kuti wakaritenga woga wakura. Hazvinei kuti wava nenguva yakareba sei uneBhaibheri rako (zvimwe unawo akawanda), fungisisa nekukosha kwaunoisa paBhuku iri. Nderimwe refuma dzako dzakakosha, kana kuti unongozvitora hako usina kufungisisa kuti wavakuriziva chaizvo? Unotambura kuti uriverenge mazuva ose nenguva imwechete here? Wakazvifunga wo here nekushama kuti: Ndotangira papi? Ndoverenga sei Bhuku iri kuti ndikure munaMwari?
Martin Luther akati, “Kwemakore mazhinji ikozvino ndakaverenga Bhaibheri zuva nezuva kaviri pagore ndichiripedza. Kudai Bhaibheri riri zimuti zihombe rine matavi maduku akawanda, ndaidai ndabata rimwe nerimwe rawo ndapedza ose, ndichida kuvona zvandingawana zvirimariri.”
Ungava nenguva inofadza chaizvo neBhaibheri rako uchiriverenga, rangava pedyo nepaunogara mazuva ose kana pasherefu, chokwadi ndechekuti tose tinogona kuva netsika yekuverenga Bhaibheri nguva dzose. Vhiki ino tichatarisa dzimwe nzira dzirinani dzekutodzidza Bhaibheri nadzo dzinobatika.
*Dzidza chidzidzo chevhiki ino kugadzirira Sabata, May 2.