HomeResourcesSabbath School quarterly
Kunonaka!
30/04/2026
Funga nezvekudya zvaunofarira wapedza kudya kukuru zviya zvekudzikisira. Zvakanakira vutano hwako here? Pamwe unoshandisa vuchi kuti zvitapire kana vuchi hwe Manuka nekuti hunonzi hunorapa. Kana wakamboedza zinga revuchi, unoziva kuti rinonaka sei parinonyungudukira parurimi rwako.
Muna Mapisarema 119:103, 104, Bhaibheri rinozvitsanangura sezinga revuchi— mufananidzo wekutapira: “Mashoko enyu anonaka sei mumukanwa mangu! Zvirokwazvo anokunda vuchi mumuromo mangu! Pazvirevo zvenyu ndowana njere; Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema”.
Hongu, mashoko aMwari anotapira kumweya yedu kupfuvura zvimwe zvose zvatingapiwa nenyika. Kupfuvura zvinodyiwa kunakisa mumukanwa, kuzipa kweshoko raMwari kunoporesa mweya nekushandura vupenyu kuzvimiro zvedu. Kana wanga wavakure naMwari, unogona kuwira pasi nemabvi ako, wozarura Shoko rake, wonwa kubva pamvura mhenyu iyo yoga inopedza nyota.
Muna Isaya 55:1–13, muprofita anotambanudza sei mashoko ataurwa pamusoro. Tora nguva uchiverenga chitsauko ichi izvozvi ugopindura mibvunzo iyi:
- Ko Tenzi vanopei avo vanovuya kwavari, “kuzodya” kubva muShoko ravo?
- Nderupi rukoko rwavarikukupa apa?
- Dambudziko ravo nderipi?
- Ko chitsidzo chavo ndechipi?
Shoko benyu raMwari rinesimba rinotema kupinda mumwoyo yedu, pfungwa dzedu nemweya yedu kutibatsira kukura munaKristu. Asi rinogona kutiira izvi chete kusvika patinoripa nguva nemukana (hongu, zvinoda simba) kunzvera Shoko nepfungwa yekuzvininipisa nekuzviisa pasi nechidiso chekugashira zvarinodzidzisa.