HomeResourcesSabbath School quarterly

Nguva

26/04/2026

Wakamboisa nguva yekumuka pafoni yako yekuti uverenge Bhaibheri rako here? Hauna here kutambudzika kumuka uchitambudzwa nehope kumuka ukatarisa wachi nekufunga kuti haa ndichine maminitsi 15 ekumborara zvishoma-shoma. Ndaakuda kumhanya ndanonoka! Wakamboita vo here kamunamato kaduku-duku nekupfuura nepachitsauko uchimhanya zvako, asi ichitogutsika kuti watonamata?

“Hauna zvakawanda zvaungawana kuburikidza nekunamata uchimhanya nekuverenga Magwaro. Munhu anogona kuverenga Bhaibheri rose asi achitadza kuvona runako rwaro kana kufungisisa nekuvona zvakadzama zvakavanzika zvirimo.”—Ellen G. White.

Kana nepo kune maropafadzo anowanikwa mukuverenga Bhaibheri—zvakafanana nekunwa mvura kubva muzihozipaipi rekudzima moto—ndizvo zvinoita kuverenga Bhaibheri nekukasika munhu anotorasikirwa nezvakawanda. Mwari akatipa Shoko rake rakafemerwa rinoera kuti tigone kuziva zvakawanda nezvake, mukuita izvi, nezvakawanda pamusoro pedu wo. Kana tikatora nguva kuvona zvisingatsananguriki, chimiro chaMwari chakanaka nenzira dzaakafambidzana nevanhu kubva kare, tinoguma tamuda zvakanyanya. Zvaakaitira vamwe kare zviripo zvakanyorwa—asi tinofanira kuwana nguva, nekuva nenguva chaiyo, yekuziva Mwari kuburikidza nekuverenga Shoko rake (Mabasa 17:11). Fungisisa nemazano anotevera:

Kumbira kuti Mwari aise nzara yekumuda mumwoyo mako. Kumbira zvitsidzo zvakavimbisa muna Jeremia 29:13 na Mapisarema 37:4. Mukoke kukumutsa huchiri vusiku kupfuvura zvaunoita mazuva ose kuti uve nenguva yakatambanuka yekuzviita.

Ipa nguva yako kuna Mwari. Hongu, unezvakawanda zvekuita, uyevo kune zvakawanda zvaunofanira kuita zvakakosha. Asi nguva naMwari yakakosha chaizvo. Enda kunzvimbo yakanyarara uri woga woverenga Mapisarema 46:10. Verenga mazvi kana kuimbira Mwari rwiyo “Zvese Ndakupa.” Fungisisa nezviri muvupenyu hwako zvisingagoni kusiiwa nekupiwa kuna Mwari.

Iva nenguva naMwari kunyange uchinzwa usingadi. Sezvo zvichida sarudzo yemunhu oga yekuita zvakanaka kuti munhu ave mutano (kusimbisa muviri, kudya zvine hutano), zvinotorawo sarudzo kuva nehukama hwakanaka naMwari. Rangarira kuti tsika itsva dzinotora mazuva 21 kuti dzisimbe, saka pasina Mweya Mutsvene hatigoni kukunda.