HomeResourcesSabbath School quarterly

Kudzidza Bhaibheri Zvakadzika

28/04/2026

Kana nepo usingafaniri kuva mudzidzi mukuru weBhaibheri, ungadzidza sei Bhaibheri zvakadzika?

Namata: Hazvikwanisiki kusimbisa kukosha kwemunamato sezvingaitwa mutumapepa tuduku tunoiswa mukati meBhaibheri kuti urangarire pawakasiira. Ellen G. White anotivudza kuti kana tikasvika pakuverenga Bhaibheri, hatisi toga. Mukukumbira Mweya Mutsvene kutitungamirira, tinodzivisa zvimwe zvipingaidzo, muvengi agotiza. “Bhaibheri harifaniri kuverengwa pasina munamato. Mweya Mutsvene woga ndiye anotikonzera kunzwa kukosha kwezvinhu zvirinyore kunzwisisa, kana kutidzivirira mukunetsana nezvokwadi zvakawoma kunzwisisa.”

Verenga Ugonyora: Zvinogona kunzi musiano pakati pekungoverenga Bhaibheri, nekuridzidza, unovonekwa pachinhu chimwechete: kunyora. Kunyora kunotibatsira kutora nguva tichifunga, kufungisisa nezveShoko raMwari, woshanda mazviri zvishoma nezvishoma, wodudzira, wotora zvaungararama nekuzvipira. Zvinobatsirawo pfungwa dzedu dzinotanga kungomhanya kose kose—kubva mumusoro medu, kuinda kuchinyoreso zvopinda mumwoyo kuitira zuva iroro. Tinowanzavo kurangarira zvinhu zvatakanyora pasi (Mapisarema 119:15, 16). Kana isingagoni kunyora, edza kuverenga Bhaibheri uchishevedzera kana kuzvitaurira zvaunonzwa, tevere pfungwa dzako semunamato kuna Mwari.

Goverana nevamwe: Taurira mumwe zvawadzidza. Izvi zvichasimbisa zvawadzidza mupfungwa dzako nekukurudzira mumwewo munhu.

Sarudza kabhuku kaduku kemuBhaibheri pakutanga (zvimwe Jona, Marko, VaFiripi, kana 1 Johane), woshanda naro zvishoma nezvishoma. Heino nzira yakareruka yematangiro aungaita nevhesi imwechete, ndima kana chitsauko:

  1. Namata kuti Mweya Mutsvene atungamirire pfungwa dzako nekupfavisa mwoyo wako paunenge uchiverenga.

  2. Sarudza mavhesi kana ndima dzeBhaibheri.

  3. Nyora ndima mukabhuku kana ndima duku dzinobva paurikuverenga.

  4. Nemunamato verenga ndima zvakare uchiisa mitaro pane zvakakosha.

  5. Nyora zvawaisa mutaro uzvikoshese.

  6. Namatira pfungwa idzi nezvadzinokubatsira muhukama naMwari.

  7. Funga waungaudzawo vamwe nhasi.

“Pose pose panokura vanhu vaMwari munyasha, vanozarurirwa zvimwe muShoko rake. Vachava nechiedza chitsva nerunako rwezvokwadi inoyera. Izvi zvakaitika mumazera nemazera mukereke, uye zvicharamba zvichiitika kusvika kumagumo.”—Ellen G. White.